Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 19:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Eria paakarinzwa, akafukidza chiso chake nejasi rake akabuda panze akamira pamuromo webako.Ipapo inzwi rakati kwaari, “Uri kuiteiko pano, Eria?”

14. Akapindura akati, “Ndakanga ndichishingairira Jehovha Mwari Wamasimba Ose kwazvo. VaIsraeri vakaramba sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaprofita venyu nomunondo. Ndini ndoga ndasara, zvino vava kuedza kundiurayawo.”

15. Jehovha akati kwaari, “Dzokera nenzira yawauya nayo, ugoenda kuGwenga reDhamasiko. Kana wasvikako, uzodze Hazaeri kuti ave mambo weAramu.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 19