Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 19:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Ahabhu akaudza Jezebheri zvose zvakanga zvaitwa naEria nokuuraya kwaakanga aita vaprofita vose nomunondo.

2. Ipapo Jezebheri akatuma nhume kuna Eria kundoti, “Vamwari ngavandirange, vanyanyise kudaro, kana nenguva ino mangwana, ndikasaita kuti upenyu hwako hufanane nehwomumwe wavo.”

3. Eria akatya akatiza kuti aponese upenyu hwake. Paakasvika kuBheerishebha muJudha, akasiya muranda wake ikoko,

4. iye pachake akafamba rwendo rwezuva rimwe chete achipinda mugwenga. Akasvika pamuti womurara, akagara pasi pawo akanamata kuti achifa. Akati, “Zvaringana hazvo, Jehovha. Chitorai upenyu hwangu; handipfuuri madzitateguru angu pakururama.”

5. Ipapo akarara pasi pomuti akabatwa nehope.Pakarepo mutumwa akamubata akati, “Simuka udye.”

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 19