Zvino danai vanhu muIsraeri yose kuti vazosangana neni paGomo reKarimeri. Muuyewo namazana mana namakumi mashanu avaprofita vaBhaari namazana mana avaprofita vaAshera vanodya patafura yaJezebheri.”