Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 14:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

28. Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi.

29. Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?

30. Rehobhoamu naJerobhoamu vaingogara vachirwisana.

31. Rehobhoamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pavakanga vakavigwa muguta raDhavhidhi. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni. Abhija mwanakomana wake akamutevera paumambo.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 14