Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 14:23-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Vakazvivakirawo nzvimbo dzakakwirira, matombo anoera namapango aAshera pazvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose mikuru.

24. Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa namarudzi ayo akanga adzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.

25. Mugore rechishanu raMambo Rehobhoamu, Shishaki, mambo weIjipiti, akarwisa Jerusarema.

26. Akatora pfuma yose yetemberi yaJehovha nepfuma yose yomuzinda wamambo. Akatora zvinhu zvose, kusanganisira nenhoo dzose dzegoridhe dzakanga dzagadzirwa naSoromoni.

27. Naizvozvo Mambo Rehobhoamu akagadzira nhoo dzendarira kuti dzitore nzvimbo yadzo uye akadzipa kuvatungamiri vavarindi vaichengeta suo romuzinda wamambo.

28. Nguva dzose paienda mambo kutemberi yaJehovha, varindi vaitakura nhoo, mushure mezvo vachizodzidzosera kuimba yavarindi.

29. Zvino mamwe amabasa okutonga kwaRehobhoamu nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzegore negore dzamadzimambo eJudha?

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 14