Zvino Jehovha acharova Israeri, zvokuti ichaita setsanga iri kuzungunutswa mumvura. Achadzura Israeri kubva mu-nyika yakanaka iyi yaakapa kumadzitateguru avo agovaparadzira mhiri kwoRwizi, nokuti vakaita kuti Jehovha atsamwe nehasha pavakaitira Ashera mapango.