Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 13:27-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

27. Muprofita akati kuvanakomana vake, “Ndisungirirei chigaro pambongoro,” ivo vakaita saizvozvo.

28. Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro.

29. Saka muprofita akasimudza mutumbi womunhu waMwari, akauisa pamusoro pembongoro akadzoka nawo kuguta rake kuti andomuchema uye amuvige.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 13