Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 13:23-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro.

24. Akati ava munzira, shumba yakasangana naye panzira, ikamuuraya, mutumbi wake ukakandwa munzira, mbongoro neshumba zvikamira pauri.

25. Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, uye vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita akanga ava harahwa.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 13