Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 12:14-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. akatevera zano ramajaya akati, “Baba vangu vakaita kuti mutoro wenyu ureme kwazvo; ini ndichaita kuti ureme kupfuura ipapo. Baba vangu vakakurovai nezvamboko; ini ndichakurovai nezvinyavada.”

15. Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe.

16. Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati:“Tino mugove weiko muna Dhavhidhi,nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese?Kumatende enyu, imi vaIsraeri! Iwe Dhavhidhi,chizvichengetera imba yako!”Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo.

17. Asi vaIsraeri vaigara mumaguta eJudha, Rehobhoamu akaramba achivatonga.

18. Mambo Rehobhoamu akatuma Adhoniramu, aiva mutariri wezvechibharo, asi vaIsraeri vose vakamutaka namabwe akafa. Zvisinei, Mambo Rehobhoamu akakwanisa kupinda mungoro yake akatizira kuJerusarema.

19. Saka Israeri yakapandukira imba yaDhavhidhi kusvikira nhasi.

20. VaIsraeri vose pavakanzwa kuti Rehobhoamu akanga adzoka, vakatuma nhume kuti iuye kwakanga kwakaungana vanhu, vakabva vamuita mambo weIsraeri yose. Rudzi rwaJudha chete ndirwo rwakaramba ruchishandira imba yaDhavhidhi.

21. Rehobhoamu paakasvika muJerusarema, akaunganidza imba yose yaJudha norudzi rwaBenjamini, varume vehondo vaikwana zviuru zana namakumi masere, kuti varwe neimba yaIsraeri uye vadzosere umambo kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.

22. Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti,

23. “Uti kuna Rehobhoamu, mwanakomana waSoromoni, mambo weJudha, nokuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nokuvamwe vanhu vose,

24. ‘Zvanzi naJehovha: Musakwira kumusoro kundorwa nehama dzenyu, vaIsraeri. Endai kumisha yenyu mumwe nomumwe wenyu, nokuti ndini ndaita izvi.’ ” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha vakaenda kumisha yavo zvakare, sezvakanga zvarayirwa naJehovha.

25. Ipapo Jerobhoamu akavaka Shekemu munyika yamakomo yaEfuremu akagarako. Achibvako akaenda akandovaka Penueri.

26. Jerobhoamu akafunga akati, “Zvino umambo huchagona kudzokera kuimba yaDhavhidhi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 12