Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 11:26-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

26. Jerobhoamu mwanakomana waNebhati akapandukirawo mambo. Aiva mumwe wamachinda aSoromoni, ari worudzi rwaEfuremu wokuZaredha, uye mai vake vainzi Zeruya vari chirikadzi.

27. Heino nhoroondo yokupandukira mambo kwaakaita: Soromoni akavaka Miro, akagadzira pakanga paputsika murusvingo rweguta rababa vake Dhavhidhi.

28. Zvino Jerobhoamu aiva murume wesimba noumhare, uye Soromoni akaona kuti jaya iri raishanda kwazvo akabva amuita mutariri wavashandi vose veimba yaJosefa.

29. Zvino panguva iyoyo Jerobhoamu akati achibva muJerusarema, Ahija muprofita wokuShiro akasangana naye panzira, akapfeka jasi idzva nomucheka. Vaviri ava vaiva voga kusango,

30. ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarurabvarura kuita zvipenga gumi nezviviri.

31. Ipapo akati kuna Jerobhoamu, “Zvitorere zvipenga gumi, nokuti zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, ‘Tarira, ndichabvarura umambo kubva muruoko rwaSoromoni ndigokupa marudzi gumi.

32. Asi nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi neguta reJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri, achava norudzi rumwe chete.

33. Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni.

34. “ ‘Asi handizobvisi umambo hwose kubva muruoko rwaSoromoni; ndamuita mutongi mazuva ose oupenyu hwake nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu, wandakasarudza, akachengeta mirayiro yangu nemitemo yangu.

35. Ndichatora umambo kubva mumaoko omwanakomana wake ndigokupa marudzi gumi.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 11