Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Madzimambo 10:21-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Midziyo yose yaMambo Soromoni yokunwira yaiva yegoridhe rakanakisisa. Hapana chakanga chakagadzirwa nesirivha, nokuti sirivha yakanga isingakoshi zvikuru mumazuva aSoromoni.

22. Mambo aiva nechitsama chezvikepe zveTashishi pagungwa izvo zvaiva pamwe chete nezvikepe zvaHiramu. Zvikepe zveTashishi izvi zvaiuya kamwe chete mumakore matatu zviine goridhe, sirivha, nyanga dzenzou, mapikoko namakudo.

23. Mambo Soromoni aikunda mamwe madzimambo ose panyika paupfumi napauchenjeri.

24. Nyika yose yakada kuzosangana naSoromoni kuti inzwe uchenjeri hwakanga waiswa mumwoyo make naMwari.

25. Gore negore munhu wose aiuya nechipo, zvinhu zvakagadzirwa nesirivha nezvegoridhe, mbatya, zvombo nezvinonhuwira, namabhiza namanyurusi.

26. Soromoni akaunganidza ngoro namabhiza; akanga ane ngoro dzinokwana chiuru namazana mana namabhiza anokwana zviuru gumi nezviviri, zvaaichengeta kumaguta engoro nomuJerusarema maaivawo.

27. Mambo akaita kuti sirivha iwanikwe pose pose samatombo muJerusarema uye misidhari yakawanda kunge mionde yomuzasi mamakomo.

28. Mabhiza aSoromoni aitengwa kuIjipiti nokuKuwe vatengesi vamambo vainoatengera kuKuwe.

Verenga chitsauko zvakakwana 1 Madzimambo 10