Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 9:5-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu.

6. Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.

7. Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu.

8. Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba.

9. Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa.

10. Dzakanga dzine miseve norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu.

11. Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni.

12. Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.

13. Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, uye ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari.

14. Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.”

15. Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zvenguva yacho iyoyo, uye zuva iroro, nomwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chetatu chamarudzi avanhu.

16. Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 9