Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 9:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Mutumwa weshanu akaridza hwamanda yake, uye ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo.

2. Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo.

3. Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika.

4. Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.

5. Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 9