Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 8:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Utsi hwezvinonhuwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa.

5. Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakauya maungira omutinhiro, muroromero, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika.

6. Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza.

7. Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chetatu chenyika chakapiswa, chetatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 8