Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 8:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechetatu chenzizi nezvitubu zvemvura,

11. zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chetatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava.

12. Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chetatu chezuva chikarohwa, chetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, zvokuti chetatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chetatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechetatu chousiku uhwo.

13. Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 8