Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 7:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”

14. Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.”Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo uye vakadzichenesa muropa reGwayana.

15. Naizvozvo,“vari pamberi pechigaro chaMwariuye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake;uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.

16. Havachazoziyi nenzara zvakare;havachazopiswi nezuva,kana nokupisa kupi zvako.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 7