Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 6:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake.

6. Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye musakanganisa mafuta newaini!”

7. Gwayana rakati razarura chisimbiso chechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!”

8. Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakachenuruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika.

9. Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita.

10. Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”

11. Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 6