Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 5:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu,uye vachatonga panyika.”

11. Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.

12. Vakaimba nenzwi guru vachiti:“Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa,kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinyauye nokurumbidzwa!”

13. Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti:“Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana.Ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba,nokusingaperi-peri!”

14. Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 5