Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 3:15-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi!

16. Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu.

17. Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira.

18. Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona.

19. Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, uye utendeuke.

20. Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni.

21. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.

22. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 3