Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 22:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo mutumwa akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, inoonekera sekristaro, ruchiyerera kubva pachigaro chaMwari necheGwayana

2. pakati penzira huru yeguta. Parutivi rumwe norumwe rwerwizi pakanga pano muti woupenyu, waibereka mhando gumi nembiri dzomuchero, ichibereka michero yayo pamwedzi woga woga. Mashizha omuti uyu ndeokuporesa ndudzi.

3. Hakuchazovizve nokutukwa. Chigaro choushe chaMwari necheGwayana zvichava muguta, uye varanda vake vachamushumira.

4. Vachaona chiso chake, uye zita rake richava pahuma dzavo.

5. Usiku hahuchazovapozve. Havachazotsvaki chiedza chomwenje kana chiedza chezuva, nokuti Ishe Mwari achavapa chiedza. Uye vachatonga nokusingaperi-peri.

6. Mutumwa akati kwandiri, “Mashoko aya akatendeka uye ndeechokwadi. Ishe, Mwari wemweya yavaprofita, akatuma mutumwa wake kuzoratidza varanda vake zvinhu zvinofanira kukurumidza kuitika.”

7. “Tarirai, ndinokurumidza kuuya! Akaropafadzwa uyo anochengeta mashoko ouprofita huri mubhuku iri.”

8. Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 22