Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 21:24-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

24. Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro.

25. Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazovi nousiku ikoko.

26. Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri.

27. Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 21