Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 21:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.

22. Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.

23. Guta haritsvaki zuva kana mwedzi kuti zvivhenekere pamusoro paro, nokuti kubwinya kwaMwari ndiko kunovhenekera, uye Gwayana ndiro mwenje waro.

24. Ndudzi dzichafamba nechiedza charo, uye madzimambo enyika achauyisa kubwinya kwawo mukati maro.

25. Hapana zuva richatongozarirwa masuo aro, nokuti hakuchazovi nousiku ikoko.

26. Kubwinya nokukudzwa kwendudzi kuchauyiswa mariri.

27. Hakuna chinhu chine tsvina chichazopinda imomo, uye kana upi zvake anoita zvinonyadzisa kana zvounyengeri, asi avo chete vana mazita akanyorwa mubhuku roupenyu reGwayana.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 21