Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 21:14-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pana mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.

15. Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro.

16. Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhamha nokureba sourefu hwaro.

17. Akaera rusvingo rwaro uye rwaiva rukobvu makubhiti zana namakumi mana namanaa nokuyera kwavanhu, kwaishandiswa nomutumwa.

18. Rusvingo rwakanga rwakavakwa nejasipa, uye guta rakanga rakavakwa negoridhe rakaisvonaka rinoonekera kunge girazi.

19. Nheyo dzamasvingo eguta dzakanga dzakashongedzwa nemhando dzose dzamatombo anokosha. Nheyo yokutanga yakanga iri yejasipa, yechipiri yaiva yesafiri, yetatu yekasidhoni, yechina yeemaradhi;

20. yeshanu yesadhoni, yechitanhatu yaiva yekarineri yechinomwe yaiva yokrisoriti, yorusere yaiva yebheriri, yepfumbamwe yaiva yetopazi, yegumi yaiva yekrisoprasi, yegumi neimwe yaiva yejasindi, yegumi nembiri yaiva yeametisti.

21. Masuo gumi namaviri akanga ari amaparera, suo rimwe nerimwe rakaitwa neparera rimwe chete. Nzira huru yomuguta yakanga iri yegoridhe rakaisvonaka segirazi rinoonekera.

22. Handina kuona temberi muguta, nokuti Ishe Mwari Wamasimba Ose neGwayana ndivo temberi yaro.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 21