Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 21:13-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. Kumabvazuva kwakanga kuna masuo matatu, matatu kumusoro, matatu nechezasi uye matatu kumavirira.

14. Masvingo eguta akanga ane nheyo gumi nembiri, uye padziri pakanga pana mazita avapostori gumi navaviri veGwayana.

15. Mutumwa akataura neni akanga ane tsvimbo yokuera yegoridhe, yokuyera guta, masuo namasvingo aro.

16. Guta rakanga rakavakwa zvokuti mativi aro mana akanga akaenzana pakureba napaupamhi. Akaera guta netsvimbo uye akariwana rina mastadhia zviuru gumi nezviviri paurefu, uye rakapamhamha nokureba sourefu hwaro.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 21