Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 2:4-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.

5. Rangarira pawakawa! Tendeuka uye uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.

6. Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.

7. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.

8. “Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti:Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga noWokupedzisira, akafa uye akararamazve.

9. Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani.

10. Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.

11. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.

12. “Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti:Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose.

13. Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 2