Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 2:20-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.

21. Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka.

22. Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo.

23. Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake.

24. Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu):

25. Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya.

26. Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi:

27. ‘Achavatonga netsvimbo yesimbi;achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu.

28. Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani.

29. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 2