Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 19:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita somutinhiro wavazhinji zhinji richiti:“Hareruya!Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,

2. nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama.Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho.Akatsiva paari ropa ravaranda vake.”

3. Uyezve vakati:“Hareruya!Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”

4. Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi uye vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti:“Ameni, Hareruya!”

5. Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti:“Rumbidzai Mwari wedu,imi varanda vake mose,imi munomutya,mose vaduku navakuru!”

6. Ipapo ndakanzwa zvakanga zvichiita savazhinji zhinji, somumvumo wemvura zhinji uye senzwi guru rokuunga kwomutinhiro, richiti:“Hareruya!Nokuti Ishe Mwari wedu Wamasimba Ose anotonga.

7. Ngatifarei uye tifarisiseuye timurumbidze!Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika,uye mwenga waro azvigadzirira.

8. Akapiwa mucheka wakachena,wakanaka uye unopenya kuti aupfeke.”Mucheka wakanaka ndiwo mabasa akarurama avatsvene.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 19