1. Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita somutinhiro wavazhinji zhinji richiti:“Hareruya!Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,
2. nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama.Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho.Akatsiva paari ropa ravaranda vake.”
3. Uyezve vakati:“Hareruya!Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”
4. Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi uye vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti:“Ameni, Hareruya!”
5. Ipapo inzwi rakabva pachigaro choushe, richiti:“Rumbidzai Mwari wedu,imi varanda vake mose,imi munomutya,mose vaduku navakuru!”