Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 18:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Nokuti ndudzi dzose dzakanwa waini inopengesa youpombwe hwaro.Madzimambo enyika akaita upombwe naro,uye vashambadziri venyika vakapfuma kubva pakufadzwa kwaro kuzhinji.”

4. Ipapo ndakanzwa rimwe inzwi kudenga richiti:“Budai mariri, vanhu vangu,kuti murege kugovana naro muzvivi zvaro,kuti murege kugamuchira matambudziko aro api zvawo;

5. nokuti zvivi zvaro zvaita murwi unosvika kudenga,uye Mwari arangarira mhosva dzaro.

6. Ritsivei sokutsiva kwarakaita;ritsivei kaviri pane zvarakaita.Murivhenganisire migove miviri mumukombe waro.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 18