Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 18:14-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. “Vachati, ‘Muchero wawaipanga wabviswa kwauri. Upfumi hwako hwose nezvinobwinya zvako zvose zvapera, hazvichazowanikwizve.’

15. Vashambadziri vakatengesa zvinhu izvi uye vakawana pfuma yavo kwariri vachamira kure, vachityiswa nokurwadziwa kwaro. Vachachema nokuungudza

16. uye vachadanidzira vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, iwe guta guru,wakapfeka mucheka wakanaka, nowepepuru, nomutsvuku,uye unotaima negoridhe, namatombo anokosha namaparera!

17. Muawa imwe chete upfumi hwakakura kudai hwaparara!’“Vafambisi vose vezvikepe mugungwa, navose vanofamba nezvikepe, vashandi vomuzvikepe navose vanorarama nezvinobva mugungwa, vachamira kure.

18. Pavachaona utsi hwokutsva kwaro, vachati, ‘Pakambova neguta rakaita seguta guru iri here?’

19. Vachakanda guruva pamisoro yavo, uye nokuchema nokuungudza vachadanidzira vachiti:“ ‘Nhamo! Nhamo, iro guta guru,vose vaiva nezvikepe pagungwa vakapfuma noupfumi hwaro!Muawa imwe chete, raparara!

20. Farai pamusoro paro, imi denga!Farai, vatsvene navapostori navaprofita!Mwari aritonga nokuda kwamabatiro arakakuitai.’ ”

21. Ipapo mutumwa ane simba akasimudza dombo rakaenzana neguyo guru akarikanda mugungwa, akati:“Nechisimba chakadaiguta guru reBhabhironi richakandwa pasi,risingazombowanikwizve.

22. Kuimba kwavaridzi vorudimbwa navaimbi, navaridzi venyere navaridzi vehwamanda,havachazonzwikwizve mauri.Hakuna munhu webasa ripi zvaroachazowanikwazve mauri.Inzwi reguyoharichazonzwikwizve mauri.

23. Chiedza chomwenjehachichazovhenekerizve mauri.Inzwi rechikomba neromwengahazvichazonzwikwizve mauri.Vashambadziri vako vakanga vari vakuru venyika.Nouroyi hwako ndudzi dzose dzakatsauswa.

24. Mariri makawanikwa ropa ravaprofita neravatsvene,neravose vakaurayiwa panyika.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 18