Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 17:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. “Nyanga gumi dzawaona ndiwo madzimambo gumi vasati vagamuchira umambo, asi paawa imwe chete vachagamuchira simba samadzimambo pamwe chete nechikara.

13. Vane chinangwa chimwe chete uye vachapa umambo hwavo nesimba ravo kuchikara.

14. Vachaita hondo neGwayana, asi Gwayana richavakunda nokuti ndiye Ishe wamadzishe naMambo wamadzimambo, uye vakadanwa varo ndivo vachava naro, vakasanangurwa uye vateveri vakatendeka.”

15. Ipapo mutumwa akati kwandiri, “Mvura zhinji yawaona, panogara chifeve, ndiwo marudzi, navazhinji zhinji, nendudzi nemitauro mizhinji.

16. Chikara nenyanga gumi dzawaona zvichavenga chifeve. Zvichachiparadza zvigochisiya chisina kupfeka; zvichadya nyama yacho zvigochipisa nomoto.

17. Nokuti Mwari akazviisa mumwoyo yavo kuti apedze zvaaifunga nokubvuma kupa chikara simba rokutonga, kusvikira mashoko aMwari azadziswa.

18. Mukadzi wawaona ndiro guta guru rinotonga pamusoro pamadzimambo enyika.”

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 17