Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 16:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.”

2. Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, uye maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.

3. Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, uye rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.

4. Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, uye zvikava ropa.

5. Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:“Imi makarurama mukutonga uku,imi muripo uye makanga muripo,Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 16