Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 15:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakaona kudenga chimwe chiratidzo chikuru chinoshamisa ichi: vatumwa vanomwe namatambudziko manomwe okupedzisira, nokuti nawo hasha dzaMwari dzakapera.

2. Uye ndakaona chaitaridzika segungwa regirazi rakavhenganiswa nomoto uye parutivi rwegungwa pakanga pamire, avo vakanga vakunda chikara nomufananidzo wacho uye nechiverengo chezita racho. Vakabata madimbwa avakanga vapiwa naMwari

3. uye vakaimba rwiyo rwaMozisi muranda waMwari norwiyo rweGwayana, vachiti:“Mabasa enyu makuru uye anoshamisa,Ishe Mwari Wamasimba Ose.Nzira dzenyu dzakarurama uye ndedzechokwadi,imi Mambo wamakore.

4. Ndianiko angarega kukutyai,imi Ishe, nokupa mbiri kuzita renyu?Nokuti ndimi moga mutsvene.Ndudzi dzose dzichauya dzigonamata pamberi penyu,nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa.”

5. Shure kwaizvozvi ndakatarira kudenga, uye temberi, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, yakanga yakazaruka.

6. Mutemberi makabuda vatumwa vanomwe vana matambudziko manomwe. Vakanga vakapfeka nguo dzomucheka wakachena, unopenya uye vakamonera mabhanire egoridhe pazvipfuva zvavo.

7. Ipapo chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakapa kuvatumwa vanomwe ndiro nomwe dzizere nehasha dzaMwari, iye anogara nokusingaperi-peri.

8. Uye temberi yakazadzwa noutsi hunobva pakubwinya kwaMwari napasimba rake, uye hakuna munhu aigona kupinda mutemberi kusvikira matambudziko manomwe avatumwa vanomwe apera.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 15