Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 14:17-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Mumwe mutumwa akabuda mutemberi iri mudenga, naiyewo akanga ane jeko rinopinza.

18. Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.”

19. Mutumwa akavheyesa jeko rake panyika, akaunganidza mazambiringa awo uye akaakanda muchisviniro chikuru chewaini chehasha dzaMwari.

20. Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 14