Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 13:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Uye shato yakamira pamahombekombe egungwa.Uye ndakaona chikara chichibuda mugungwa. Chakanga chine nyanga gumi nemisoro minomwe, nekorona gumi panyanga dzacho, uye pamusoro mumwe nomumwe paiva nezita rokumhura.

2. Chikara chandakaona chakanga chakaita sembada, asi chakanga china makumbo akaita seebere uye muromo wakaita soweshumba. Shato yakapa chikara simba rayo nechigaro chayo choushe nesimba rayo guru.

3. Mumwe wemisoro yechikara wakaita sowakuvadzwa kusvikira parufu, asi vanga raifanira kuchiuraya rakanga rapora. Nyika yose yakashamiswa uye ikatevera chikara.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 13