Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 12:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, uye mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake.

2. Akanga ane mimba uye akadanidzira mukurwadziwa sezvo akanga ava kupona.

3. Ipapo chimwe chiratidzo chakaonekwa kudenga: shato huru tsvuku ine misoro minomwe nenyanga gumi nekorona nomwe mumisoro yayo.

4. Muswe wayo wakatsvaira chetatu chenyeredzi kubva kudenga uye ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa.

5. Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe.

6. Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 12