Testamende Yekare

Testamende Itsva

Zvakazarurwa 11:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera uye ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari uye nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo.

2. Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kuvaHedheni. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri.

3. Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.”

4. Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika.

5. Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza.

6. Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.

7. Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya.

8. Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjiipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo.

9. Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo.

10. Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika.

11. Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukabata avo vakavaona.

Verenga chitsauko zvakakwana Zvakazarurwa 11