Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 8:29-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

29. Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.

30. Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakashayirawo mhosva; vaya vaakashayira mhosva, ndivo vaakakudzawo.

31. Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?

32. Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?

33. Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoshayira mhosva.

34. Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo.

35. Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?

36. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:“Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose;tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.”

37. Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.

38. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo,

39. kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 8