Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 7:16-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.

17. Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri.

18. Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita.

19. Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita.

20. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handizini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.

21. Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 7