Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 6:4-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.

5. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake.

6. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi,

7. nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi.

8. Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye.

9. Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake.

10. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 6