Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 4:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoshayira mhosva munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama.

6. Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti:

7. “Vakaropafadzwa vakaregererwa zvakaipa zvavo,vakafukidzirwa zvivi zvavo.

8. Akaropafadzwa munhu ane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.”

9. Ko, kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa chete here? Kana kuti navasina kudzingiswawo? Nokuti tati kuna Abhurahama kutenda kwake kwakanzi kwaari ndiko kururama.

10. Zvino zvakanzarwo seiko? Akanga adzingiswa here, kana kuti asati? Haana kunzarwo adzingiswa, asi kuti asati adzingiswa!

11. Uye akagamuchira chiratidzo chokudzingiswa, sechisimbiso chokururama kwaakawana nokutenda asati adzingiswa. Saka naizvozvo ndiye baba wavose vanotenda, asi vasina kudzingiswa, kuitira kuti kururama kugopiwa kwavari.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 4