Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 3:13-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

13. “Huro dzavo makuva akashama;ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.”“Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”

14. “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”

15. “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;

16. kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,

17. Uye nzira yorugare havaizivi.”

18. “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”

19. Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.

20. Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.

21. Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita.

22. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,

23. nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,

24. uye vanoshayirwa mhosva nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.

25. Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare.

26. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoshayira mhosva vaya vanotenda muna Jesu.

27. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda.

28. Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoshayirwa mhosva nokutenda kwete nokuchengeta murayiro.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 3