Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 2:18-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. kana uchiziva kuda kwake uye uchiziva kuti zvakanaka ndezvipi zvaunodzidziswa nomurayiro;

19. Kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima,

20. murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi,

21. zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisiwo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here?

22. Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here?

23. Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here?

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 2