Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 16:6-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.

7. Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.

8. Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She.

9. Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.

10. Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu.Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.

11. Kwazisai Herodhioni, hama yangu.Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.

12. Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She.Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.

13. Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.

14. Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.

15. Kwazisai Firorogasi naJuria, naNerea nehanzvadzi yake naOrimbasi uye navatsvene vose vavanavo.

16. Kwazisanai nokutsvodana kutsvene. Kereke dzose dzaKristu dzinokukwazisai.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 16