Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 16:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Vakaisa upenyu hwavo panjodzi nokuda kwangu. Kwete ini ndoga asi kuti nekereke dzose dzavaHedheni dzinovatenda zvikuru.

5. Kwazisaiwo kereke inosangana mumba mavo.Kwazisai Epenetasi mudikani wangu, ndiye akava chibereko changu chokutanga muna Kristu munyika yeEzhia.

6. Kwazisai Maria, akakushandirai kwazvo.

7. Kwazisai Adhironikasi naJuniasi, hama dzangu vakanga vari mutorongo pamwe chete neni. Vakakurumbira pakati pavapostori, uye vakanditangirawo kuva muna Kristu.

8. Kwazisai Amupiratasi, uyo wandinoda muna She.

9. Kwazisai Uribhanusi, anobata nesu muna Kristu, uye naSitakisi mudikani wangu.

10. Kwazisai Aperesi, akaedzwa uye akaonekwa akakwana muna Kristu.Kwazisai vemhuri yokwaAristobhurusi.

11. Kwazisai Herodhioni, hama yangu.Kwazisai vari mumhuri yokwaNakisasi vari muna She.

12. Kwazisai Tirifena naTirifosa, vakadzi vanobata nesimba muna She.Kwazisai mudikani wangu wapamwoyo Perisisi, mumwe mukadzi anobata nesimba muna She.

13. Kwazisai Rufusi, akasanangurwa muna She uye namai vake, vakanga vari mai vanguwo.

14. Kwazisai Asingiritasi, naFeregoni, naHerimesi, naPatirobhasi, naHerimasi, uye nehama dzavanadzo.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 16