Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 14:15-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.

16. Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa.

17. Nokuti umambo hwaMwari hauzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,

18. nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.

19. Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.

20. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.

21. Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe.

22. Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanozvitenda.

23. Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 14