Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 13:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.

11. Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda.

12. Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.

13. Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo.

14. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 13