Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 12:5-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.

6. Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake.

7. Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise;

8. kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.

9. Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.

10. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.

11. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.

12. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.

13. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.

14. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.

15. Farai navanofara; chemai navanochema.

16. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.

17. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.

18. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 12