Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndokwokuti vaponeswe.

2. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.

3. Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.

4. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.

5. Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”

6. Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga?’ ” (ndiko kuburutsa Kristu)

7. “kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ ” (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).

8. Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:

9. Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.

10. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoshayirwa mhosva, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.

11. Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”

12. Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha kana muHedheni, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari,

13. “nokuti ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”

14. Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?

15. Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”

16. Asi havazi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”

17. Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.

18. Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti:“Inzwi ravo rakasvika kunyika yose,namashoko avo kumigumo yenyika.”

19. Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti,“Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi;Ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”

20. Uye Isaya, asingatyi anoti,“Ndakawanikwa navasina kunditsvaka;Ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”

21. Asi pamusoro peIsraeri anoti,“Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri,uye vanokakavara.”