Testamende Yekare

Testamende Itsva

Varoma 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari,

2. vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene

3. pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi,

4. uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu.

5. Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda.

6. Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu.

7. Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene:Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.

8. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.

Verenga chitsauko zvakakwana Varoma 1